Jeremiah 38:7 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino muEtiopia Ebedi‐mereki, waiʋa muranda mumba mamambo, wakati anzwa kuti ʋakaisa Jeremia mugomba (ɀino mambo wakaŋga agere musuʋo raBenjamini),
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi Ebhedhi-Mereki muEtiopia aiva muchinda mumuzinda woushe, akazvinzwa kuti vakanga vaisa Jeremia mugomba. Panguva yakanga yakagara mambo paSuo raBhenjamini,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mumwe munhu wokuItiopia muyuniki anonzi Ebhedhimereki aiva mumuzinda wamambo paakanzwa zvichinzi vakanda Jeremiya mumugodhi, izvozvo mambo aiva padare kuSuo Guru rokwaBhenjamini,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino muItiopia Ebhedhimereki, waiva muranda mumba mamambo, wakati anzwa kuti vakaisa Jeremiya mugomba (zvino mambo wakanga agere musuo raBhenjamini).
Shona 2009?
Zvino multiopia Ebhedhimereki, waiva muranda mumba mamambo, wakati anzwa kuti vakaisa Jeremiya mugomba (zvino mambo wakanga agere musuo raBhenjamini).
Shona SUB 2002 Bible
Zvino muItiopia Ebhedhimereki, waiva muranda mumba mamambo, wakati anzwa kuti vakaisa Jeremiya mugomba (zvino mambo wakanga agere musuwo raBhenjamini).