Jeremiah 39:10 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi Nebuzaradani mukuru waʋarindi wakasiya munyika yaJuda ʋamŋe ʋarombo ʋaʋanhu, ʋakaŋga ʋasinecinhu, akaʋapa minda yemizambiriŋga nemimŋe minda neŋguʋa iyo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi Nebhukadhinezari mukuru wavarindi akasiya munyika yeJudha vamwe varombo vakanga vasina chinhu; uye panguva iyoyo akavapa minda yemizambiringa nemimwe minda.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nabhuzaradhani mukuru wavachengetedzi vokwamambo, akasiya munyika yokwaJudha vamwe varombo vasina chavanacho akavapa minda yamagirepisi pamwechete nemimwe minda.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi Nebhuzaradhani mukuru wavarindi wakasiya munyika yaJudha vamwe varombo vavanhu, vakanga vasina chinhu, akavapa minda yemidzambiringa nemimwe minda nenguva iyo.
Shona 2009?
Asi Nebhuzaradhani mukuru wavarindi wakasiya munyika yaJudha vamwe varombo vavanhu, vakanga vasina chinhu, akavapa minda yemizambiringa nemimwe minda nenguva iyo.
Shona SUB 2002 Bible
Asi Nebhuzaradhani mukuru wavarindi wakasiya munyika yaJudha vamwe varombo vavanhu, vakanga vasina chinhu, akavapa minda yemizambiringa nemimwe minda nenguva iyo.