Jeremiah 39:14 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
iʋo ʋakatuma nhume, ʋakandotora Jeremia muruʋazhe rwaʋarindi, ʋakamuisa kunaGedaria mŋanakomana waAhikami, mŋanakomana waShafani, kuti aende naye kumusha kwake. Naiɀoɀo wakagara pakati paʋanhu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
vakatumira nhume kuti Jeremia abviswe paruvazhe rwavarindi. Vakamuendesa kuna Gedharia mwanakomana waAhikami, mwanakomana waShafani, kuti vamudzosere kumusha kwake. Saka akaramba agere pakati pavanhu vokwake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
vakatuma vanhu vakatora Jeremiya munhandare yavachengetedzi vokwamambo vakamuisa mumaoko maGedhariya mwanakomana waAhikamu, mwanakomana waShafani kuti amuperekedze kumusha. Naizvozvo Jeremiya akandogara hake mukati mavanhu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
ivo vakatuma nhume, vakandotora Jeremiya muruvazhe rwavarindi, vakamuisa kuna Gedharia mwanakomana waAhikami, mwanakomana waShafani, kuti aende naye kumusha kwake. Naizvozvo wakagara pakati pavanhu.
Shona 2009?
ivo vakatuma nhume, vakandotora Jeremiya muruvazhe rwavarindi, vakamuisa kuna Gedharia mwanakomana waAhikami, mwanakomana waShafani, kuti aende naye kumusha kwake. Naizvozvo wakagara pakati pavanhu.
Shona SUB 2002 Bible
ivo vakatuma nhume, vakandotora Jeremiya muruvazhe rwavarindi, vakamuisa kuna Gedharia mwanakomana waAhikami, mwanakomana waShafani, kuti aende naye kumusha kwake. Naizvozvo wakagara pakati pavanhu.