Jeremiah 39:16 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Enda, utaure naEbedi‐mereki muEtiopia, uti: Ɀanzi naJehova wehondo, Mŋari waIsraeri: Tarira, ndicaitira guta rino seɀandakareʋa, ndicariitira ɀakaipa, handiŋgariitiri ɀakanaka; ɀicaitika nezuʋa iro iwe uciɀiʋona.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Enda undoudza EbhedhiMereki muEtiopia kuti, ‘Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri: Ndava pedyo kuzadzisa mashoko angu pamusoro peguta rino nenjodzi, kwete kubudirira. Panguva iyoyo zvichazadzisika pamberi pako.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Enda utaurire Ebhedhimereki uya muItiopia kuti, zvanzi naTenzi wehondo nehondo, Mwari weIsiraeri, zvaunoona ini ndichazadzisa shoko rangu randakareva nezveguta rino rokuti zvinhu zviriipire kwete kurinakira. Izvozvo zvichazadziswa iwe uchizviona musi iwoyo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Enda, utaure naEbhedhimereki muItiopia, uti, zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, tarira, ndichaitira guta rino sezvandakareva, ndichariitira zvakaipa, handingariitira zvakanaka; zvichaitika nezuva iro iwe uchizviona.
Shona 2009?
"Enda, utaure naEbhedhimereki muItiopia, uti, zvanzi naJehovha wehondo, Mwari walsiraeri, tarira, ndichaitira guta rino sezvandakareva, ndichariitira zvakaipa, handingariitira zvakanaka; zvichaitika nezuva iro iwe uchizviona.
Shona SUB 2002 Bible
“Enda, utaure naEbhedhimereki muItiopia, uti, zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, tarira, ndichaitira guta rino sezvandakareva, ndichariitira zvakaipa, handingariitira zvakanaka; zvichaitika nezuva iro iwe uchizviona.