Jeremiah 39:6 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo mambo weBabironi akaʋuraya ʋanakomana ʋaZedekia paRibra iye akataririra; ʋuye mambo weBabironi wakaʋuraya ʋo ʋakuru ʋose ʋaJuda.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo paRibhira Mambo weBhabhironi akauraya vanakomana vaZedhekia pamberi pake uye akaurayawo makurukota ose eJudha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mambo weBhabhironi akauraya vanakomana vaZedhekiya paRibhura ipapo iye akatarisa. Mambo weBhabhironi akaurayawo vokumbahuru vokwaJudha.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo mambo weBhabhironi akauraya vanakomana vaZedhekia paRibhira iye akataririra; uye mambo weBhabhironi wakaurayawo vakuru vose vaJudha.
Shona 2009?
Ipapo mambo weBhabhironi akauraya vanakomana vaZedhekia paRibhira iye akatarira; uye mambo weBhabhironi wakaurayawo vakuru vose vaJudha.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo mambo weBhabhironi akauraya vanakomana vaZedhekiya paRibhira iye akataririra; uye mambo weBhabhironi wakaurayawo vakuru vose vaJudha.