Jeremiah 4:16 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋudzai marudzi iɀoɀo; tarirai, paridzirai Jerusarema, kuti nharirire dzinobva kunyika iri kure, dzinotaurira maguta aJuda ɀakaipa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Zivisai izvi kundudzi, zviparidzei kuJerusarema muchiti: ‘Hondo ichakukombai iri kuuya ichibva kunyika iri kure, ichidanidzira zvehondo yokurwisa maguta eJudha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Yambira marudzi avanhu kuti ava kuuya, muzivise Jerusaremu kuti, kuri kuuyiwa navakombi vamaguta vanobva kunyika iri kure. Vari kudaidzira kumaguta okwaJudha.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Udzai marudzi izvozvo; tarirai, paridzirai Jerusaremu, kuti nharirire dzinobva kunyika iri kure, dzinotaurira maguta aJudha zvakaipa.
Shona 2009?
Udzai marudzi izvozvo, tarirai, paridzirai Jerusaremu, kuti nharirire dzinobva kunyika iri kure, dzinotaurira maguta aJudha zvakaipa.
Shona SUB 2002 Bible
Udzai marudzi izvozvo; tarirai, paridzirai Jerusaremu, kuti nharirire dzinobva kunyika iri kure, dzinotaurira maguta aJudha zvakaipa.