Jeremiah 4:18 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mufambire wako neɀawakaita ndiɀo ɀakakuʋuyisira ɀinhu iɀi; ndiko kutadza kwako; nokuti ɀinoʋaʋa, nokuti ɀinoȿikira kumŋoyo waŋgu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Tsika dzako namabasa ako ndizvo zvauyisa izvi pamusoro pako. Ichi ndicho chirango chako. Haiwa, zvinovava sei! Haiwa, zvinobaya sei mwoyo!”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nzira dzako namaitiro ako ndozvakupfukira, ndokupera kwako ikoku. Zvinorwadza zvakusvika pamwoyo chaipo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mufambire wako nezvawakaita ndizvo zvakakuyisira zvinhu izvi; ndiko kutadza kwako; nokuti zvinovava, nokuti zvinosvikira kumwoyo wangu.
Shona 2009?
Mufambiro wako nezvawakaita ndizvo zvakakuvuyisira zvinhu izvi; ndiko kutadza kwako; nokuti zvinovava, nokuti
Shona SUB 2002 Bible
Mufambire wako nezvawakaita ndizvo zvakakuyisira zvinhu izvi; ndiko kutadza kwako; nokuti zvinovava, nokuti zvinosvikira kumwoyo wangu.