Jeremiah 4:19 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Maiwe! ʋura bgaŋgu, ʋura bgaŋgu! Ndinorwadziwa mumŋoyo maŋgu mumene; mŋoyo waŋgu unoɗeɗera mukati maŋgu, handigoni kunyarara, nokuti wanzwa, iwe mŋeya waŋgu, wanzwa kurira kwehwamanda nemhere‐mhere yokurwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Maiwe, kurwadziwa kwangu, kurwadziwa kwangu! ndiri kubidirika nokurwadziwa. Haiwa, kurwadza kwomwoyo wangu! Hana yangu inorova mukati mangu, handinganyarari. Nokuti ndanzwa kurira kwehwamanda; ndanzwa mheremhere yehondo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Maiwe, maiwe, ndinobinduka nokurwadziwa, mwoyo wangu maiwe, mwoyo wangu uri kurova zvakanyanya. Handikwanisi kunyarara nokuti ndiri kunzwa kurira kwamabhosvo, iri yambiro yehondo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Maiwe! Hura hwangu, hura hwangu! Ndinorwadziwa mumwoyo mangu mumene; mwoyo wangu unodedera mukati mangu, handigoni kunyarara, nokuti wanzwa, iwe mweya wangu, wanzwa kurira kwehwamanda nemhere-mhere yokurwa.
Shona 2009?
Maiwe! Hura hwangu, hura hwangu! Ndinorwadziwa mumoyo mangu mumene; moyo wangu unodedera mukati mangu, handigoni kunyarara, nokuti wanzwa, iwe mweya wangu, wanzwa kurira kwehwamanda nemhere-mhere yokurwa.
Shona SUB 2002 Bible
Maiwe! Ura hwangu, ura hwangu! Ndinorwadziwa mumwoyo mangu mumene; mwoyo wangu unodedera mukati mangu, handigoni kunyarara, nokuti wanzwa, iwe mweya wangu, wanzwa kurira kwehwamanda nemhere–mhere yokurwa.