Jeremiah 4:29 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Maguta ose anotiza nokuɗa kwomubvumo waʋataȿi ʋamabiza naʋafuri ʋoʋuta; ʋanopinda mumatenhere, ʋanokwira pamatombo; maguta ose akasiyiwa, hakunomunhu unogara’mo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Paanonzwa kutinhira kwavatasvi vamabhiza nokwavawemburi vouta, maguta ose anotiza. Vamwe vanopinda mumatenhere; vamwe vanokwira pakati pamatombo. Maguta ose asara asina munhu; hapana anogaramo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pavanongonzwa mutsindo wamabhiza neyevemiseve, guta rose, munhu anobva angoti gumbo ndibereke, zvobva zvongoti runopinda mumajokochwa norunokwira mumatombo, maguta ose anosara angova maguta chete asina munhu anogaramo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Maguta ose anotiza nokuda kwomubvumo wavatasvi vamabhiza navafuri vouta; vanopinda mumatenhere, vanokwira pamatombo; ose akasiyiwa hakuna munhu unogaramo.
Shona 2009?
Maguta ose anotiza nokuda komubvumo wavatasvi vamabhiza navafuri vouta; vanopinda mumatenhere, vanokwira pamatombo; ose akasiyiwa hakuna munhu unogaramo.
Shona SUB 2002 Bible
Maguta ose anotiza nokuda kwomubvumo wavatasvi vamabhiza navafuri vouta; vanopinda mumatenhere, vanokwira pamatombo; ose akasiyiwa hakuna munhu unogaramo.