Jeremiah 4:30 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino iwe, kana waparadzwa, ucaiteiko? Kunyaŋge ukafuka muceka mutȿuku, kunyaŋge ukashoŋga ɀishoŋgo ɀendarama, kunyaŋge ukazodza meso ako nomuti mutema, uŋgaɀinatsa pasina; ʋaɗikanwa ʋako ʋanokuɀidza, ʋanotȿaka kukuʋuraya.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uchaiteiko, iwe wokuparadzwa? Wapfekereiko nguo tsvuku, nokushonga zvishongo zvegoridhe? Wazorereiko meso ako pendi? Unongozvishongedzera pasina. Zvikomba zvako zvinokushora; zvinotsvaka kukuuraya.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino iwe Mushayavanhu, chaunobangopfekera hanzu tsvuku chii? Zvaunobva watozviti memete nezvishongo zvendarama kudai uye kutokudza-kudza meso ako nependi. Chaunozvishongedzera chaizvo hapana, zvikomba zvako izvozvo zvinokuzvidza. Chavanenge vachitotsvaga kukuuraya
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino iwe, kana waparadzwa, uchaiteiko? Kunyange ukafuka mucheka mutsvuku, kunyange ukazodza meso ako nomuti mutema, ungazvinatsa pasina; vadikanwa vako vanokuzvidza, vanotsvaka kukuuraya.
Shona 2009?
Zvino iwe, kana waparadzwa, uchaiteiko? Kunyange ukafuka mucheka mutsvuku, kunyange ukazodza meso ako nomuti mutema, ungazvinatsa pasina; vadikamwa vako vanokuzvidza, vanotsvaka kukuuraya.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino iwe, kana waparadzwa, uchaiteiko? Kunyangwe ukafuka mucheka mutsvuku, kunyangwe ukazodza meso ako nomuti mutema, ungazvinatsa pasina; vadikanwa vako vanokuzvidza, vanotsvaka kukuuraya.