Jeremiah 4:31 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti ndakanzwa inzwi seromukadzi unosurumuka, serounotambudzika pakupona ɗaŋgwe rake, inzwi romukunda weZioni, unofemedzeka, unotambanudza maʋoko ake, aciti: Ndinenhamo ɀino! nokuti mŋeya waŋgu waziya pamberi paʋaʋurayi ʋaŋgu!
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndiri kunzwa kuchema sokwomukadzi anorwadziwa pakusununguka, kugomera sokwomukadzi opona dangwe rake, kuchema kwoMwanasikana weZioni ari kufemedzeka, achitambanudza maoko ake achiti, “Maiwe! Ndoziya; upenyu hwangu hwaiswa kuvaurayi.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
nokuti ndakanzwa kuchema kunenge kwomukadzi arwadzwa napamuviri kurwadzwa sokwemukadzi ari pakusununguka mwana wokutanga. Mhere yeJerusaremu, mukunda weZioni achitofemuruka achitambanudza maoko ake achiti, “Maiwe zvangu! Ndava kutofizuka zvangu pameso pemhondi.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti ndakanzwa inzwi seromukadzi unosurumuka, serounotambudzika pakupona dangwe rake, inzwi romukunda weZioni, unofemedzeka, unotambanudza maoko ake, achiti, “Ndine nhamo zvino! Nokuti mweya wangu waziya pamberi pavaurayi vangu!”
Shona 2009?
Nokuti ndakanzwa inzwi seromukadzi unosurumuka, serounotambudzika pakupona dangwe rake, inzwi romukunda weZiyoni, unofemedzeka, unotambanudza maoko ake, achiti, "Ndine nhamo zvino! Nokuti mweya wangu waziya pamberi pavaurayi vangu!"
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti ndakanzwa izwi seromukadzi unosurumuka, serounotambudzika pakupona dangwe rake, izwi romukunda weZioni, unofemedzeka, unotambanudza maoko ake, achiti, “Ndine nhamo zvino! Nokuti mweya wangu waziya pamberi pavaurayi vangu!”