Jeremiah 4:7 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Shumba yaɓuɗa icibva muɗenhere rayo, muparadzi wamarudzi waʋa munzira, waɓuɗa panɀimbo yake, kuti aparadze nyika yenyu, maguta enyu aitwe matoŋgo, kusina‐ʋanogara’mo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Shumba yabuda mudenhere rayo; muparadzi wendudzi abuda. Asiya nzvimbo yake kuti aparadze nyika yenyu. Maguta enyu achava matongo pasina achagaramo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Shumba yabuda mumajokochwa mayo; muparadzi wamarudzi avanhu abuda, asimuka achibva kwake, kuzoparadza nyika yako, maguta ako achava matongo, asisina anogaramo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Shumba yabuda ichibva mudenhere rayo, muparadzi wamarudzi wava munzira, wabuda panzvimbo yake, kuti aparadze nyika yenyu, maguta enyu aitwe matongo, kusina vanogaramo.
Shona 2009?
"Shumba yabuda ichibva mudenhere rayo, muparadzi wamarudzi wava munzira, wabuda panzvimbo yake, kuti aparadze nyika yenyu, maguta enyu aitwe matongo, kusina vanogaramo.
Shona SUB 2002 Bible
“Shumba yabuda ichibva mudenhere rayo, muparadzi wamarudzi wava munzira, wabuda panzvimbo yake, kuti aparadze nyika yenyu, maguta enyu aitwe matongo, kusina vanogaramo.