Jeremiah 40:10 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana ndirini, tarirai, ndicagara paMizpa, kuti ndimire pamberi paʋaKardea, ʋacaʋuya kwatiri; asi imi, ʋuŋganidzai waini neɀiɓereko ɀezhezha namafuta, muɀiise mumidziyo yenyu, mugare mumaguta enyu amakakunda.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ini pachangu ndichagara paMizipa kuti ndikumirirei pamberi pavaBhabhironi vanouya kwatiri, asi imi munofanira kukohwa waini, nezvibereko zvezhizha namafuta mugozviisa mumidziyo yenyu, mugogara mumaguta amakakunda.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Inini ndichagara hangu kuMizipa ndichikumiririrai kuvaKaridhea vanenge vauya kwatiri. Asi imi potai muchiunganidza waini nemichero yezhizha namafuta eorivhi muzvichengetere mumidziyo yenyu muchigara zvenyu mumaguta enyu amakawana.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kana ndirini, tarirai, ndichagara paMizipa, kuti ndimire pamberi pavaKaradhea, vachauya kwatiri; asi imi, unganidzai waini nezvibereko zvezhizha namafuta, muzviise mumidziyo yenyu, mugare mumaguta enyu amakakunda.”
Shona 2009?
Kana ndirini, tarirai, ndichagara paMizipa, kuti ndimire pamberi pavaKaradhea, vachauya kwatiri; asi imi, unganidzai waini nezvibereko zvemunakamwe namafuta, muzviise mumidziyo yenyu, mugare mumaguta enyu amakakunda."
Shona SUB 2002 Bible
Kana ndirini, tarirai, ndichagara paMizipa, kuti ndimire pamberi pavaKaradhia, vachauya kwatiri; asi imi, unganidzai waini nezvibereko zvezhizha namafuta, muzviise mumidziyo yenyu, mugare mumaguta enyu amakakunda.”