Jeremiah 40:11 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Saiɀoɀo ʋo, ʋaJuda ʋose, ʋaiʋa paMoabi, naʋaiʋa pakati paʋana ʋaAmoni, napaEdomi, naʋaiʋa panyika dzose, ʋakati ʋacinzwa kuti mambo weBabironi wakaŋga asiya ʋamŋe ʋaJuda, akagadza Gedaria mŋanakomana waAhikami, mŋanakomana waShafani aʋe muɓati waʋo;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
VaJudha vose vaiva muMoabhu, muAmoni, nevemuEdhomu nedzimwe nyika dzose vakati vanzwa kuti mambo weBhabhironi akanga asiya vamwe vanhu muJudha uye kuti akanga agadza Gedharia mwanakomana waAhikami, mwanakomana waShafani, somubati pamusoro pavo,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvimwechetezvo navaJudha vose vaiva kuMoabhu nomukati mavaAmoni nomuEdhomu nomunyika dzimwe pavakanzwawo kuti mambo weBhabhironi akanga asiya chimwe chitsama chevokwaJudha uye kuti akanga asarudza Gedhariya mwanakomana waAhikamu, mwanakomana waShafani akamuita sadunhu wavo,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Saizvozvowo, vaJudha vose, vaiva paMoabhu, navaiva pakati pavana vaAmoni, napaEdhomu, navaiva panyika dzose, vakati vachinzwa kuti mambo weBhabhironi wakanga asiya vamwe vaJudha, akagadza Gedharia mwanakomana waAhikami, mwanakomana waShafani ave mubati wavo;
Shona 2009?

Shona SUB 2002 Bible