Jeremiah 40:12 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ipapo ʋaJuda ʋose ʋakadzoka pose paʋakaŋga ʋadziŋgirwa, ʋakaʋuya kunyika yaJuda, kunaGedaria paMizpa, ʋakaʋuŋganidza waini neɀiɓereko ɀizhinji kwaɀo ɀezhezha.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
vose vakadzoka kunyika yeJudha, kuna Gedharia paMizipa, vachibva kunyika dzose kwavakanga vakaparadzirwa. Uye vakakohwa waini yakawanda nezvibereko zvezhizha zvizhinji kwazvo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
ipapo vaJudha vose vakadzoka vachibva kunzvimbo dzose kwavakanga vaparadzirwa, vakauya kunyika yokwaJudha kuna Gedhariya kuMizipa. Vakazopota vachiunganidza waini nemichero yezhizha zvakawandisisa kwazvo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
ipapo vaJudha vose vakadzoka pose pavakanga vadzingirwa, vakauya kunyika yaJudha, kuna Gedharia paMizipa, vakaunganidza waini nezvibereko zvizhinji kwazvo zvezhizha.
Shona 2009?
ipapo vaJudha vose vakadzoka pose pavakanga vadzingirwa, vakauya kunyika yaJudha, kuna Gedharia paMizipa, vakaunganidza waini nezvibereko zvizhinji kwazvo zvemunakamwe.
Shona SUB 2002 Bible
ipapo vaJudha vose vakadzoka pose pavakanga vadzingirwa, vakauya kunyika yaJudha, kuna Gedharia paMizipa, vakaunganidza waini nezvibereko zvizhinji kwazvo zvezhizha.