Jeremiah 40:15 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Johanani mŋanakomana waKarea akataura naGedaria paMizpa cinyerere, akati: Nditenderei henyu kuenda ndindoʋuraya Ishmaeri mŋanakomana waNetania, hakuŋgaʋi nomunhu ucaɀiziʋa; ko iye uŋgakuʋurayirei, kuti ʋaJuda ʋose ʋakaʋuŋgana kwamuri ʋapararire, naʋakasara ʋaJuda ʋaparare?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Johanani mwanakomana waKarea akati kuna Gedharia muchivande vari paMizipa, “Rega ndinouraya Ishumaeri mwanakomana waNetania, uye hapana achazviziva. Anodirei kukuuraya nokuita kuti vaJudha vose vakaungana, vakakupoteredza, vaparadzirwe uye vakasara veJudha vaparare?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Johanani mwanakomana waKareya akataura muchivande kuna Gedhariya paMizipa ipapo akati, “Regai ndiende ndinouraya Ishimaeri mwanakomana waNetaniya hakuna achazviziva. Adirei chaizvo kupfuudza upenyu hwenyu? Hakusi kuitira kuti vaJudha vakaunganidzana kwamuri vaite rumwe rumwe, chitsama chakasara chevokwaJudha ichi chichibva charova?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Johanani mwanakomana waKarea akataura naGedharia paMizipa chinyerere, akati, “Nditenderei henyu kuenda ndindouraya Ishimaeri mwanakomana waNetania, hakungavi nomunhu uchazviziva; ko iye ungakuurayirei, kuti vaJudha vose vakaungana kwamuri vapararire, navakasara vaJudha vaparare?”
Shona 2009?
Ipapo Johwanani mwanakomana waKarea akataura naGedharia paMizipa chinyararire, akati, "Nditenderei henyu kuenda ndindouraya Ishimaeri mwanakomana waNetania, hakungavi nomunhu uchazviziva; ko iye ungakuurayirei, kuti vaJudha vose vakaungana kwamuri vapararire, navakasara vaJudha vaparare?"
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Johanani mwanakomana waKarea akataura naGedharia paMizipa chinyerere, akati, “Nditenderei henyu kuenda ndindouraya Ishimaeri mwanakomana waNetania, hakungavi nomunhu uchazviziva; ko iye ungakuurayirei, kuti vaJudha vose vakaungana kwamuri vapararire, navakasara vaJudha vaparare?”