Jeremiah 40:16 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi Gedaria mŋanakomana waAhikami akati kunaJohanani mŋanakomana waKarea: Usaita cinhu ici, nokuti unoreʋa nhema pamsoro paIshmaeri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi Gedharia mwanakomana waAhikami akati kuna Johanani mwanakomana waKarea, “Usaita chinhu chakadaro! Zvauri kutaura pamusoro paIshumaeri hazvisi zvechokwadi.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi Gedhariya mwanakomana waAhikamu akati kuna Johanani mwanakomana waKarea, “Iwe rega kuita izvi nokuti uri kurevera Ishimaeri nhema.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi Gedharia mwanakomana waAhikami akati kuna Johanani mwanakomana waKarea, “Usaita chinhu ichi, nokuti unoreva nhema pamusoro paIshimaeri.”
Shona 2009?
Asi Gedharia mwanakomana waAhikami akati kuna Johwanani mwanakomana waKarea, "Usaita chinhu ichi, nokuti unoreva nhema pamusoro paIshimaeri."
Shona SUB 2002 Bible
Asi Gedharia mwanakomana waAhikami akati kuna Johanani mwanakomana waKarea, “Usaita chinhu ichi, nokuti unoreva nhema pamusoro paIshimaeri.”