Jeremiah 40:3 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ɀino Jehova waɀiȿitsa, akaita seɀaakataura; ɀamakatadzira Jehova, mukasaterera inzwi rake, nemhaka iyo cinhu ici cakaʋuya pamsoro penyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino Jehovha aita kuti zviitike, aita sezvaakareva kuti achaita. Izvi zvose zvakaitika nokuti imi vanhu makatadzira Jehovha uye hamuna kumuteerera.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenzi aita kuti zviitike akaita sezvaakamboreva, nokuti makatadzira Tenzi mukasateerera inzwi rake saka izvi zvakuwirai.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
zvino Jehovha wazvisvitsa, akaita sezvaakataura; zvamakatadzira Jehovha, mukasaterera inzwi rake, nemhaka iyo chinhu ichi chakauya pamusoro penyu.
Shona 2009?
zvino Jehovha wazvisvitsa, akaita sezvaakataura; zvamakatadzira Jehovha, mukasateerera inzwi rake, nemhaka iyo chinhu ichi chakauya pamusoro penyu.
Shona SUB 2002 Bible
zvino Jehovha wazvisvitsa, akaita sezvaakataura; zvamakatadzira Jehovha, mukasateerera izwi rake, nemhaka iyo chinhu ichi chakauya pamusoro penyu.