Jeremiah 40:5 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino wakati acigere kuenda, akati: Dzokera kunaGedaria mŋanakomana waAhikami, mŋanakomana waShafani, wakagadzwa namambo weBabironi aʋe muɓati wamaguta aJuda, undogara naye pakati paʋanhu; kana cienda hako kwaunoti ɀakanaka kuti uende. Naiɀoɀo mukuru waʋarindi akamupa ɀokudya necipo, akamuendisa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kunyange zvakadaro hazvo, Jeremia asati atendeuka kuti aende, Nebhuzaradhani akaenderera mberi achiti, “Dzokera kuna Gedharia mwanakomana waAhikami, mwanakomana waShafani uyo akagadzwa namambo weBhabhironi kuti ave mubati wemaguta eJudha, undogara naye pakati pavanhu, kana kuti woenda kwose kwaunoda.” Ipapo mukuru wavarindi akamupa zvokudya zvokutakura nezvipo akamurega achienda.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kana uchida kusara ungadzokere zvako kuna Gedhariya mwanakomana waAhikamu, mwanakomana waShafani akasarudzwa namambo kuva sadunhu wamaguta okwaJudha undogara naye mukati mavanhu kana kuenda hako kose kose kwaunofunga kuti kwakakunakira.” Ipapo mukuru wavachengetedzi vokwamambo akati Jeremiya awaniswe mbuva nechipo agoenda hake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino wakati achigere kuenda, akati, “Dzokera kuna Gedharia mwanakomana waAhikami, mwanakomana waShafani, wakagadzwa namambo weBhabhironi ave mubati wamaguta aJudha, undogara naye pakati pavanhu; kana chienda hako kwaunoti zvakanaka kuti uende.” Naizvozvo mukuru wavarindi akamupa zvokudya nechipo, akamuendisa.
Shona 2009?
Zvino wakati achigere kuenda, akati, "Dzokera kuna Gedharia mwanakomana waAhikami, mwanakomana waShafani, wakagadzwa namambo weBhabhhironi ave mubati wamaguta aJudha, undogara naye pakati pavanhu; kana chienda hako kwaunoti zvakanaka kuti uende." Naizvozvo mukuru wavarindi akamupa zvokudya nechipo, akamuendisa.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino wakati achigere kuenda, akati, “Dzokera kuna Gedharia mwanakomana waAhikami, mwanakomana waShafani, wakagadzwa namambo weBhabhironi ave mubati wamaguta aJudha, undogara naye pakati pavanhu; kana chienda hako kwaunoti zvakanaka kuti uende.” Naizvozvo mukuru wavarindi akamupa zvokudya nechipo, akamuendisa.