Jeremiah 40:7 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋakuru ʋose ʋehondo, ʋakaŋga ʋari kumasaŋgo, iʋo naʋanhu ʋaʋo, ʋakati ʋacinzwa kuti mambo weBabironi wakaŋga agadza Gedaria mŋanakomana waAhikami aʋe muɓati munyika iyo, akaisa pamaʋoko ake ʋarume naʋakadzi naʋana, naʋaiʋa ʋarombo kwaɀo panyika, ʋakaŋga ʋasina‐kutapirwa Babironi,
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakuru vehondo navanhu vakanga vachigara mumasango enyika vakati vanzwa kuti mambo weBhabhironi akanga agadza Gedharia mwanakomana waAhikami kuti ave mubati wenyika uye kuti mambo akanga amuita mutariri wavarume, navakadzi navana, avo vakanga vari varombo zvakanyanya munyika uye vakanga vasina kuendeswa pautapwa kuBhabhironi,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kuzoti vakuru vakuru vehondo dzavarwi vaiva mumasango navarwi vavo pavakanzwa kuti mambo weBhabhironi akanga asarudza Gedhariya mwanakomana waAhikamu achimuita Sadunhu munyika iyoyo uye kuti akaisa mumaoko make varume navakadzi navana vaiva varombo vokupedzesera chaivo munyika iyoyo uye vakanga vasina kutapwa vachiendeswa kuBhabhironi,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vakuru vose vehondo, vakanga vari kumasango, ivo navanhu vavo, vakati vachinzwa kuti mambo weBhabhironi wakanga agadza Gedharia mwanakomana waAhikami ave mubati munyika iyo, akaisa pamaoko ake varume navakadzi navana, navaiva varombo kwazvo panyika, vakanga vasina kutapirwa Bhabhironi,
Shona 2009?

Shona SUB 2002 Bible