Jeremiah 40:9 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Gedaria mŋanakomana waAhikami, mŋanakomana waShafani, akaʋapikira, iʋo naʋanhu ʋaʋo, aciti: Musatya kushumira ʋaKardea; garai henyu panyika, mushumire mambo weBabironi, mugoʋa nomufaro.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Gedharia mwanakomana waAhikami, mwanakomana waShafani, akapika mhiko yokuvasimbisa ivo navanhu vavo achiti, “Musatya kushandira vaBhabhironi. Garai henyu munyika mushandire mambo weBhabhironi, zvigokuitirai zvakanaka.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Gedhariya mwanakomana waAhikamu mwanakomana waShafani akapika mhiko kwavari navanhu vavo achiti, “Regai kutya kushandira henyu vaKaridhea. Garai zvenyu munyika imomo muchishandira mambo weBhabhironi zvinhu zvichakufambirai zvakanaka.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Gedharia mwanakomana waAhikami, mwanakomana waShafani, akavapikira, ivo navanhu vavo, achiti, “Musatya kushumira vaKaradhea; garai henyu panyika, mushumire mambo weBhabhironi, mugova nomufaro.
Shona 2009?
Gedharia mwanakomana waAhikami, mwanakomana waShafani, akavapikira, ivo navanhu vavo, achiti, "Musatya kushumira vaKaradhea; garai henyu panyika, mushumire mambo weBhabhironi, mugova nomufaro.
Shona SUB 2002 Bible
Gedharia mwanakomana waAhikami, mwanakomana waShafani, akavapikira, ivo navanhu vavo, achiti, “Musatya kushumira vaKaradhia; garai henyu panyika, mushumire mambo weBhabhironi, mugova nomufaro.