Jeremiah 41:1 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino nomŋedzi wecinomŋe Ishmaeri mŋanakomana waNetania, mŋanakomana waErishama worudzi rwamambo, mumŋe waʋanyai ʋakuru ʋamambo, wakaʋuya anaʋarume ʋanegumi naye kunaGedaria mŋanakomana waAhikami paMizpa, ʋakadya’po ɀokudya pamŋe cete paMizpa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mumwedzi wechinomwe, Ishumaeri mwanakomana waNetania, mwanakomana waErishama, uyo akanga ari werudzi rwamambo, uye akanga ari mumwe wemachinda amambo, akauya ane varume gumi kuna Gedharia mwanakomana waAhikami, paMizipa. Vachiri kudya pamwe chete ipapo,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mumwedzi wechinomwe, Ishimaeri mwanakomana waNetaniya, mwanakomana waErishama mumwe wokumbahuru aiva mumwe wavatungamiriri vakuru vokwamambo, akauya negumi ravarume kuna Gedhariya mwanakomana waAhikamu kuMizipa. Pavakanga vachidya zvavo pamwechete paMizipa ipapo,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino nomwedzi wechinomwe Ishimaeri mwanakomana waNetania, mwanakomana waErishama worudzi rwamambo, mumwe wavanyai vakuru vamambo, wakauya ana varume vane gumi naye kuna Gedharia mwanakomana waAhikami paMizipa, vakadyapo zvokudya pamwechete paMizipa.
Shona 2009?

Shona SUB 2002 Bible