Jeremiah 41:10 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Ishmaeri akatapa ʋanhu ʋose ʋakaŋga ʋasara paMizpa, ʋakaiswa naNebuzaradani mukuru waʋarindi kunaGedaria mŋanakomana waAhikami, iʋo ʋakunda ʋamambo, naʋanhu ʋose ʋakaŋga ʋasara paMizpa; Ishmaeri mŋanakomana waNetania wakaʋatapa, akabva’po aciɗa kuenda kuʋana ʋaAmoni.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ishumaeri akatapa vanhu vose vakanga vari paMizipa, vanasikana vamambo pamwe chete navamwe vose vakanga vasara ikoko, vaiswa naNebhuzaradhani mukuru wavarindi pasi paGedharia mwanakomana waAhikami. Ishumaeri mwanakomana waNetania akavatapa ndokubvapo achida kuti ayambukire kuvaAmoni.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ishimaeri akazotapa vamwe vose vaiva Mizipa, ava vanoti: vakunda vamambo navanhu vose vakanga vasiyiwa paMizipa vaiva vaiswa Nebhuzaradhani uya mukuru wavachengetedzi vokwamambo mumaoko maGedhariya mwanakomana waAhikamu. Ishimaeri mwanakomana waNataniya akavatapa ndokubuda opinda munzira oyambukira kuvaAmoni.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Ishimaeri akatapa vanhu vose vakanga vasara paMizipa, vakaisa naNebhuzaradhani mukuru wavarindi kuna Gedharia mwanakomana waAhikami, ivo vakunda vamambo, navanhu vose vakanga vasara paMizipa; Ishimaeri mwanakomana waNetania wakavatapa, akabvapo achida kuenda kuvana vaAmoni.
Shona 2009?
Ipapo Ishimaeri akatapa vanhu vose vakanga vasara paMizipa, vakaiswa naNebhuzaradhani mukuru wavarindi kuna Gedharia mwanakomana waAhikami, ivo vakunda vamambo, navanhu vose vakanga vasara paMizipa; Ishimaeri mwanakomana waNetania wakavatapa, akabvapo achida kuenda kuvana vaAmoni.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Ishimaeri akatapa vanhu vose vakanga vasara paMizipa, vakaisa naNebhuzaradhani mukuru wavarindi kuna Gedharia mwanakomana waAhikami, ivo vakunda vamambo, navanhu vose vakanga vasara paMizipa; Ishimaeri mwanakomana waNetania wakavatapa, akabvapo achida kuenda kuvana vaAmoni.