Jeremiah 41:13 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋanhu ʋose ʋaiʋa naIshmaeri ʋakati ʋaciʋona Johanani mŋanakomana waKarea, naʋakuru ʋose ʋehondo ʋaiʋa naye, ʋakafara.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vanhu vose vaiva naIshumaeri vakati vachiona Johanani mwanakomana waKarea navakuru vehondo vakanga vainaye, vakafara.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vanhu vose vaiva naIshimaeri pavakangoona Johanani mwanakomana waKarea navatungamiriri vose vehondo dzavarwi vaaiva navo, vakapembera kufara.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vanhu vose vaiva naIshimaeri vakati vachiona Johanani mwanakomana waKarea, navakuru vose vehondo vaiva naye, vakafara.
Shona 2009?
Zvino vanhu vose vaiva naIshimaeri vakati vachiona Johwanani mwanakomana waKarea, navakuru vose vehondo vaiva naye, vakafara.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vanhu vose vaiva naIshimaeri vakati vachiona Johanani mwanakomana waKarea, navakuru vose vehondo vaiva naye, vakafara.