Jeremiah 41:18 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
nokuɗa kwaʋaKardea, nokuti ʋakaŋga ʋaciʋatya, Ishmaeri mŋanakomana waNetania ɀaakaʋuraya Gedaria mŋanakomana waAhikami, wakaŋga aitwa muɓati wenyika iyo namambo weBabironi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
kuti vatize vaBhabhironi. Vakanga vachitya nokuti Ishumaeri mwanakomana waNetania akanga auraya Gedharia mwanakomana waAhikami, uyo akanga agadzwa kuva mubati wenyika iyo namambo weBhabhironi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
pamusana pokuzeza vaKaridhea nokuti vaivadedera nemhosva yokuti Ishimaeri mwanakomana waNataniya akanga aponda Gedhariya mwanakomana waAhikamu akanga aitwa sadunhu wenyika iyoyo namambo weBhabhironi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
nokuda kwavaKaradhea, nokuti vakanga vachivatya, Ishimaeri mwanakomana waNetania zvaakauraya Gedharia mwanakomana waAhikami, wakanga aitwa mubati wenyika iyo namambo weBhabhironi.
Shona 2009?
nokuda kwavaKaradhea, nokuti vakanga vachivatya, Ishimaeri mwanakomana waNetania zvaakauraya Gedharia mwanakomana waAhikami, wakanga aitwa mubati wenyika iyo namambo weBhabhironi.
Shona SUB 2002 Bible
nokuda kwavaKaradhia, nokuti vakanga vachivatya, Ishimaeri mwanakomana waNetania zvaakauraya Gedharia mwanakomana waAhikami, wakanga aitwa mubati wenyika iyo namambo weBhabhironi.