Jeremiah 41:6 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Ishmaeri mŋanakomana waNetania wakaɓuɗa paMizpa kundoʋaciŋgamidza, akafamba aciŋgocema; ɀino wakati acisoŋgana naʋo, akati kwaʋari: Ʋuyai kunaGedaria mŋanakomana waAhikami.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ishumaeri mwanakomana waNetania akabuda paMizipa kuti andovachingamidza, akafamba achichema. Paakasangana navo, akati kwavari, “Uyai kuna Gedharia mwanakomana waAhikami.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ishimaeri mwanakomana waNataniya akavabudira kuMizipa kuzochingurana navo, akauyako achihwihwidza kuchema. Paakasanganidzana navo akati kwavari, “Uyai mupinde muna Gedhariya mwanakomana waAhikamu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Ishimaeri mwanakomana waNetania wakabuda paMizipa kundovachingamidza, akafamba achingochema; zvino wakati achisangana navo, akati kavari, “Uyai kuna Gedharia mwanakomana waAhikami.”
Shona 2009?
Ipapo Ishimaeri mwanakomana waNetania wakabuda paMizipa kundovachingamidza, akafamba achingochema; zvino wakati achisangana navo, akati kavari, "Uyai kuna Gedharia mwanakomana waAhikami."
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Ishimaeri mwanakomana waNetania wakabuda paMizipa kundovachingamidza, akafamba achingochema; zvino wakati achisangana navo, akati kavari, “Uyai kuna Gedharia mwanakomana waAhikami.”