Jeremiah 41:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi pakati paʋo pakaŋga panaʋarume ʋanegumi ʋakati kunaIshmaeri: Musatiʋuraya, nokuti tineɀimŋe ɀatakaʋiga kusaŋgo, ɀinoti, ɀiyo nebari namafuta noʋuci. Naiɀoɀo akarega, akasaʋaʋuraya pakati pehama dzaʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi vamwe vavo gumi vakati kuna Ishumaeri, “Musatiuraya! Isu tine gorosi nebhari, namafuta uye, nouchi, zvakavigwa musango.” Naizvozvo akavarega akasavauraya pamwe chete navamwe.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi pakati pavo pakaita varume gumi vakateterera kuna Ishimaeri vachiti, “Dai marega zvenyu kutiuraya nokuti tine pfimbi dzekoroni nebhari namafuta eorivhi nouchi zvatakaviga mumasango.” Nokudaro akarega kuvauraya pamwechete navamwe vavo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi pakati pavo pakanga pana varume vane gumi vakati kuna Ishimaeri, “Musatiuraya, nokuti tina zvimwe zvatakaviga kusango, zvinoti, zviyo nebhari namafuta nohuchi.” Naizvozvo akarega, akasavauraya pakati pehama dzavo.
Shona 2009?
Asi pakati pavo pakanga pana varume vane gumi vakati kuna Ishimaeri, "Musatiuraya, nokuti tine zvimwe zvatakaviga kusango, zvinoti, zviyo nebhari namafuta nohuchi." Naizvozvo akarega, akasavauraya pakati pehama dzavo.
Shona SUB 2002 Bible
Asi pakati pavo pakanga pana varume vane gumi vakati kuna Ishimaeri, “Musatiuraya, nokuti tine zvimwe zvatakaviga kusango, zvinoti, zviyo nebhari namafuta nohuchi.” Naizvozvo akarega, akasavauraya pakati pehama dzavo.