Jeremiah 42:10 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana muciŋge mucaɗa kugara munyika ino, ini ndicakuʋakai, handiŋgakukoromoriyi, ndicakusimai, handiŋgakudzuriyi; nokuti ndinoɀiɗemba pamsoro peɀakaipa ɀandakakuitirai.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
‘Kana mukagara munyika ino, ndichakuvakai handizokukoromorei; ndichakusimai uye handingakudzurei, nokuti ndinorwadziwa nokuda kwenjodzi yandakaisa pamusoro penyu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
‘Kana mukaramba muri munyika muno iniwo ndichakuvakai ndisingakupazei. Ndichakusimai ndisingakudzipurei nokuti ndinorwadziwa mwoyo nenhamo yandakakupinzai.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
‘Kana muchinge muchada kugara munyika ino, ini ndichakuvakai, handingakukoromoriyi, ndichakusimai, handingakudzuriyi; nokuti ndinozvidemba pamusoro pezvakaipa zvandakakutirai.’
Shona 2009?
`Kana muchinge muchada kugara munyika ino, ini ndichakuvakai, handingakukoromoriyi, ndichakusimai, handingakudzuriyi; nokuti ndinozvidemba pamusoro pezvakaipa zvandakakuitirai.'
Shona SUB 2002 Bible
‘Kana muchinge muchada kugara munyika ino, ini ndichakuvakai, handingakukoromoriyi, ndichakusimai, handingakudzuriyi; nokuti ndinozvidemba pamusoro pezvakaipa zvandakakuitirai.’