Jeremiah 42:11 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Musatya henyu mambo weBabironi, iye wamunotya; musamutya henyu — ndiɀo ɀinotaura Jehova; nokuti ndinemi, kuti ndikuponesei nokukurwirai paruʋoko rwake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Musatya mambo weBhabhironi, iye wamunotya zvino. Musamutya, ndizvo zvinotaura Jehovha, nokuti ndinemi uye ndichakuponesai nokukuponesai kubva mumaoko ake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Regai kutya mambo weBhabhironi wamunodai kudedera. Musambomutya zvenyu, ndizvo zviri kutaura Tenzi, nokuti ndinemi kuitira kuti ndikuponesei ndichikununurai mumaoko make.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Musatya henyu mambo weBhabhironi, iye wamunotya; musatya henyu, ndizvo zvinotaura Jehovha; nokuti ndinemi, kuti ndikuponesei nokukurwirai paruoko rwake.
Shona 2009?
"Musatya henyu mambo weBhabhironi, iye wamunotya; musatya henyu, ndizvo zvinotaura Jehovha; nokuti ndinemwi, kuti ndikuponesei nokukurwirai paruoko rwake.
Shona SUB 2002 Bible
“Musatya henyu mambo weBhabhironi, iye wamunotya; musatya henyu, ndizvo zvinotaura Jehovha; nokuti ndinemi, kuti ndikuponesei nokukurwirai paruoko rwake.