Jeremiah 42:17 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndiɀo ɀicaitirwa ʋarume ʋose ʋanorinzira ɀiso ɀaʋo kuti ʋaende Egipita, kundogara’ko ʋari ʋatorwa; ʋacafa nomunondo, nenzara, ʋuye nehosha; hakunomumŋe waʋo ucasara kana kupukunyuka paɀakaipa ɀandicaʋuyisa pamsoro paʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvirokwazvo, vose vashinga kuenda kuIjipiti kundogarako vachafa nomunondo, nenzara uye nedenda; hakuna achasara pakati pavo kana kupukunyuka njodzi yandichauyisa pamusoro pavo.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vanhu vose vanoisa mwoyo papfungwa yokuenda kuIjipiti kundogarako, vachafa rufu rwebakatwa neshangwa yenzara nedenda pasina wavo anosara kana anopunyuka rufu kunhamo dzose dzandichavauyisira.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndizvo zvichaitirwa varume vose vanorinzira zviso zvavo kuti vaende Ijipiti, kundogarako vari vatorwa; vachafa nomunondo, nenzara, uye nehosha; hakuna mumwe wavo uchasara kana kupukunyuka pazvakaipa zvandichauyisa pamusoro pavo.’
Shona 2009?
Ndizvo zvichaitirwa varume vose vanorinzira zviso zvavo kuti vaende Ijipiti, kundogarako vari vatorwa; vachafa nomunondo, nenzara, uye nehosha; hakuna mumwe wavo uchasara kana kupukunyuka pazvakaipa zvandichauyisa pamusoro pavo.'
Shona SUB 2002 Bible
Ndizvo zvichaitirwa varume vose vanoratidza zviso zvavo kuti vaende Ijipiti, kundogarako vari vatorwa; vachafa nomunondo, nenzara, uye nechirewe; hakuna mumwe wavo uchasara kana kupukunyuka pazvakaipa zvandichauyisa pamusoro pavo.’