Jeremiah 42:22 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo ɀino ziʋai kwaɀo kuti mucafa nomunondo, nenzara, ʋuye nehosha yakaipa panɀimbo iyo yamunoɗa kuenda kwairi kundogara’ko muri ʋatorwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka zvino, ivai nechokwadi nezvizvi: Muchafa nomunondo, nenzara, uye nedenda kunzvimbo yamunoda kuenda kundogara.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Saka zvino mochinyatsoziva kuti chenyu imi kufa chete nebakatwa neshangwa yenzara nedenda munzvimbo yacho iyoyo kwamuri kurwarira kundogara.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo zvino zivai kwazvo kuti muchafa nomunondo, nenzara, uye nehosha yakaipa panzvimbo iyo yamunoda kuenda kwairi kundogarako muri vatorwa.”
Shona 2009?
Naizvozvo zvino zivai kwazvo kuti muchafa nomunondo, nenzara, uye nehosha yakaipa panzvimbo iyo yamunoda kuenda kwairi kundogarako muri vatorwa."
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo zvino zivai kwazvo kuti muchafa nomunondo, nenzara, uye nechirwere chakaipa panzvimbo iyo yamunoda kuenda kwairi kundogarako muri vatorwa.”