Jeremiah 42:4 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo muprofita Jeremia akati kwaʋari: Ndakunzwai; tarirai, ndicanyeŋgetera kunaJehova Mŋari wenyu seɀamakareʋa namashoko enyu; ɀino cinhu cipi necipi camunopindurwa naJehova, ndicakuziʋisai ico, handiŋgatoŋgokuʋanziriyi cinhu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jeremia muprofita akapindura achiti, “Ndakunzwai. Zvirokwazvo ndichakunyengetererai kuna Jehovha Mwari wenyu sezvamakumbira, ndichakuzivisai zvinhu zvose zvicharehwa naJehovha uye handingambokuvanzirai chinhu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Muporofita Jeremiya akavapindura achiti, “Ndazvinzwa! Chionai ndichanamata kuna Tenzi, Mwari wenyu maererano nechichemo chenyu. Mhinduro yose yandinenge ndapiwa naTenzi, ini ndichakutaurirai. Handisi kuzombokuvanzirai kana chinhu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo muporofita Jeremiya akati kwavari, “Ndakunzwai; tarirai, ndichanyengetera kuna Jehovha Mwari wenyu sezvamakareva namashoko enyu; zvino chinhu chipi nechipi chamunopindurwa naJehovha, ndichakuzivisai icho, handingatongokuvanziriyi chinhu.”
Shona 2009?
Ipapo muporofita Jeremiya akati kwavari, "Ndakunzwai; tarirai, ndichanyengetera kuna Jehovha Mwari wenyu sezvamakareva namashoko enyu; zvino chinhu chipi nechipi chamunopindurwa naJehovha, ndichakuzivisai icho, handingatongokuvanziriyi chinhu."
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo muporofita Jeremiya akati kwavari, “Ndakunzwai; tarirai, ndichanyengetera kuna Jehovha Mwari wenyu sezvamakareva namashoko enyu; zvino chinhu chipi nechipi chamunopindurwa naJehovha, ndichakuzivisai icho, handingatongokuvanziriyi chinhu.”