Jeremiah 42:6 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana riciŋge rakanaka, kana riciŋge rakaipa, ticaterera inzwi raJehova Mŋari weɗu, watinokutumirai kwaari; kuti tiʋe nomufaro, kana ticiterera inzwi raJehova Mŋari weɗu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana zvakanaka, kana zvisina kunaka tichateerera Jehovha Mwari wedu, watinokutumai kwaari kuti zvigotiitira zvakanaka, nokuti tichateerera Jehovha Mwari wedu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kunyange zvikava zvakanaka kana zvakaipa, chedu isu kuteerera chete izwi raTenzi, Mwari wedu watiri kukutumai kwaari, kuitira kuti zvitinakire patinenge tateerera izwi raTenzi, Mwari wedu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kana richinge rakanaka, kana richinge rakaipa, tichaterera inzwi raJehovha Mwari wedu, watinokutumirai kwaari; kuti tive nomufaro, kana tichiterera inzwi raJehovha Mwari wedu.”
Shona 2009?
Kana richinge rakanaka, kana richinge rakaipa, tichateerera inzwi raJehovha Mwari wedu, watinokutumirai kwaari; kuti tive nomufaro, kana tichiteerera inzwi raJehovha Mwari wedu."
Shona SUB 2002 Bible
Kana richinge rakanaka, kana richinge rakaipa, tichateerera izwi raJehovha Mwari wedu, watinokutumirai kwaari; kuti tive nomufaro, kana tichiteerera izwi raJehovha Mwari wedu.”