Jeremiah 44:12 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndicabvisa ʋakasara ʋose ʋaJuda, ʋakarinzira ɀiso ɀaʋo kuti ʋaende kunyika yeEgipita kundogara’ko ʋari ʋatorwa, ʋacaparadzwa ʋose; ʋacaparadzwa nomunondo nenzara, ʋacafa nomunondo nenzara kubva kuʋaɗuku kuȿikira kuʋakuru; ʋacaʋa cinhu cinotukwa, necishamiso, necinomhurwa, necinoshoʋorwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndichabvisa vakasara veJudha vakanga vashinga kuenda kuIjipiti kundogarako. Vose vachafira muIjipiti, vachafa nomunondo kana kufa nenzara. Kubva kumuduku kusvikira kumukuru, vachafa nomunondo kana nenzara. Vachava chinhu chinotukwa nechinosemwa, chinhu chinoshorwa nechinonyadzisa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndichaita kuti chitsama chavanhu vokwaJudha chakasara chakada kuuya kuzogara kunyika yeIjipiti chitsakatiswe chose. Vachafira munyika yeIjipiti nebakatwa nenzara. Kubvira kuvacheche kusvikira kuvakuru vakuru vachafa nebakatwa nenzara vachibva vava ndove nechinhu chinokatyamadza nechine rushambwa nechiseko.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndichabvisa vakasara vose vaJudha, vakarinzira zviso zvavo kuti vaende kunyika yeIjipiti kundogarako vari vatorwa, vachaparadzwa vose; vachaparadzwa nomunondo nenzara, vachafa nomunondo nenzara kubva kuvaduku kusvikira kuvakuru; vachava chinhu chinotukwa, nechishamiso, nechinomhurwa, nechinoshoorwa.
Shona 2009?
Ndichabvisa vakasara vose vaJudha, vakarinzira zviso zvavo kuti vaende kunyika yeIjipiti kundogarako vari vatorwa, vachaparadzwa vose; vachaparadzwa nomunondo nenzara, vachafa nomunondo nenzara kubva kuvaduku kusvikira kuvakuru; vachava chinhu chinotukwa, nechishamiso, nechinomhurwa, nechinoshoorwa.
Shona SUB 2002 Bible
Ndichabvisa vakasara vose vaJudha, vakaratidza zviso zvavo kuti vaende kunyika yeIjipiti kundogarako vari vatorwa, vachaparadzwa vose; vachaparadzwa nomunondo nenzara, vachafa nomunondo nenzara kubva kuvaduku kusvikira kuvakuru; vachava chinhu chinotukwa, nechishamiso, nechinomhurwa, nechinoshoorwa.