Jeremiah 44:17 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi ɀirokwaɀo ticaita shoko rimŋe nerimŋe rakaɓuɗa mumiromo yeɗu, ticapisira ʋahosi ʋokuɗeŋga ɀinonhuwira, nokuʋaɗururira ɀipiriso ɀinoɗururwa, seɀatakaita isu namadziɓaɓa eɗu namadzimambo eɗu namacinda eɗu, pamaguta aJuda nomunzira dzomuJerusarema; nokuti neŋguʋa iyo taiʋa neɀokudya ɀizhinji, taifara pamuʋiri, tikasaʋona njodzi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvirokwazvo tichaita zvinhu zvose zvatakati tichaita. Tichapisira zvinonhuwira kuna Mambokadzi woKudenga nokumudururira zvipiriso zvokunwa sezvatakaita isu namadzibaba edu, namadzimambo edu uye namachinda edu mumaguta eJudha nomunzira dzomuJerusarema. Panguva iyoyo takanga tine zvokudya zvizhinji uye takanga tigere zvakanaka tisina zvaitirwadza.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi tichaita zvose zvatakatsidza kuita zvokupisira rusenzi kune hosi yedenga tichiipira mupiro wokuteura sezvatakaita isu namadzitateguru edu namadzimambo edu, uye namachinda edu mumaguta okwaJudha nomumigwagwa yeJerusaremu, nokuti panguva iyoyo taiva nezvokudya zvakawanda tichibudirira tisingawani njodzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi zvirokwazvo tichaita shoko rimwe nerimwe rakabuda mumiromo yedu, tichapisira vahosi vokudenga zvinonhuwira, nokuvadururira zvipiriso zvinodururwa, sezvatakaita isu namadzibaba edu namadzimambo edu namachinda edu, pamaguta aJudha nomunzira dzomuJerusaremu; nokuti nenguva iyo taiva nezvokudya zvizhinji, taifara pamuviri, tikasaona njodzi.
Shona 2009?
Asi zvirokwazvo tichaita shoko rimwe nerimwe rakabuda mumiromo yedu, tichapisira vahosi vokudenga zvinonhuhwira, nokuvadururira zvipiriso zvinodururwa, sezvatakaita isu namadzibaba edu namadzimambo edu namachinda edu, pamaguta aJudha nomunzira dzomuJerusaremu; nokuti nenguva iyo taiva nezvokudya zvizhinji, taifara pamuviri, tikasaona njodzi.
Shona SUB 2002 Bible
Asi zvirokwazvo tichaita shoko rimwe nerimwe rakabuda mumiromo yedu, tichapisira vahosi vokudenga zvinonhuwira, nokuvadururira zvipiriso zvinodururwa, sezvatakaita isu namadzibaba edu namadzimambo edu namachinda edu, pamaguta aJudha nomunzira dzomuJerusaremu; nokuti nenguva iyo taiva nezvokudya zvizhinji, taifara pamuviri, tikasaona njodzi.