Jeremiah 44:18 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi kubvira paŋguʋa yatakarega kupisira ʋahosi ʋokuɗeŋga ɀinonhuwira, nokuʋaɗururira ɀipiriso ɀinoɗururwa, takashaiwa ɀose, tikapedzwa nomunondo nenzara.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi kubva patakamira kupisira zvinonhuwira kuna Mambokadzi woKudenga nokudururira zvipiriso zvokunwa kwaari, hapana chatakawana uye tanga tichingofa nomunondo nenzara.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi kubvira panguva yatakaregera kupisira rusenzi kune hosi yedenga nokuipira mupiro wokuteura takava vanhu vasina chinhu tikabva taparadzwa nebakatwa nenzara.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi kubvira panguva yatakarega kupisira vahosi vokudenga zvinonhuwira, nokuvadururira zvipiriso zvinodururwa, takashaiwa zvose, tikapedzwa nomunondo nenzara.
Shona 2009?
Asi kubvira panguva yatakarega kupisira vahosi vokudenga zvinonhuhwira, nokuvadururira zvipiriso zvinodururwa, takashaiwa zvose, tikapedzwa nomunondo nenzara.
Shona SUB 2002 Bible
Asi kubvira panguva yatakarega kupisira vahosi vokudenga zvinonhuwira, nokuvadururira zvipiriso zvinodururwa, takashaiwa zvose, tikapedzwa nomunondo nenzara.