Jeremiah 44:21 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀinonhuwira ɀamaipisa mumaguta aJuda nomunzira dzomuJerusarema, imi namadziɓaɓa enyu namadzimambo enyu namacinda enyu naʋanhu ʋose ʋenyika, ko Jehova haana‐kuɀiraŋgarira here? Haɀina‐kufuŋgwa mumŋoyo make here?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Ko, Jehovha haana kurangarira here nokufunga pamusoro pezvinonhuwira zvaipiswa mumaguta eJudha nomunzira dzeJerusarema nemi namadzibaba enyu namadzimambo enyu namachinda enyu uye navanhu venyika?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Kana zviri zvorusenzi rwamakapisa muri mumaguta okwaJudha nomumigwagwa yomuJerusaremu, imi namadzitateguru enyu namadzimambo enyu namachinda enyu navagari vomunyikamo, Tenzi haana kurangarira here? Hazvina kupinda mundangariro dzake here?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvinonhuwira zvamaipisa mumaguta aJudha nomunzira dzomuJerusaremu, imi namadzibaba enyu namadzimambo enyu namachinda enyu navanhu vose venyika, ko Jehovha haana kuzvirangarira here? Hazvina kufungwa mumwoyo make here?
Shona 2009?
"Zvinonhuhwira zvamaipisa mumaguta aJudha nomunzira dzomuJerusaremu, imwi namadzibaba enyu namadzimambo enyu namachinda enyu navanhu vose venyika, ko Jehovha haana kuzvirangarira here? Hazvina kufungwa mumoyo make here?
Shona SUB 2002 Bible
“Zvinonhuwira zvamaipisa mumaguta aJudha nomunzira dzomuJerusaremu, imi namadzibaba enyu namadzimambo enyu namachinda enyu navanhu vose venyika, ko Jehovha haana kuzvirangarira here? Hazvina kufungwa mumwoyo make here?