Jeremiah 44:22 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kuȿikira Jehova akakoniwa kuzoʋa nomŋoyo murefu, nokuɗa kweɀakaipa ɀamaɓasa enyu, ʋuye nokuɗa kweɀinonyaŋgadza ɀamaiita; naiɀoɀo nyika yenyu raʋaɗoŋgo, necinoshamisa necinotukwa, isina‐unogara’mo, seɀaɀakaita zuʋa ranhasi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jehovha akati haasisina mwoyo murefu pakuipa kwezviito zvenyu nezvinhu zvinonyangadza zvamakaita, nyika yenyu ikava chinhu chinotukwa uye nedongo risina anogaramo, sezvazvakaita nhasi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenzi haana kukwanisa kuramba achikuitirai mwoyo murefu mune zvakaipa zvenyu nezvinosemesa zvamunoita, ndokusaka nyika yenyu rava dongo, namarara norushambwa isina anogaramo sezvairi nhasi uno.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Kusvikira Jehovha akakoniwa kuzova nomwoyo murefu, nokuda kwezvakaipa zvamabasa enyu, uye nokuda kwezvinonyangadza zvamaiita; naizvozvo nyika yenyu ravadongo, nechinoshamisa nechinotukwa, isina unogaramo, sezvazvakaita zuva ranhasi.
Shona 2009?
"Kusvikira Jehovha akakoniwa kuzova nomoyo murefu, nokuda kwezvakaipa zvamabasa enyu, uye nokuda kwezvinonyangadza zvamaiita; naizvozvo nyika yenyu rava dongo, nechinoshamisa nechinotukwa, isina unogaramo, sezvazvakaita zuva ranhasi.
Shona SUB 2002 Bible
“Kusvikira Jehovha akakoniwa kuzova nomwoyo murefu, nokuda kwezvakaipa zvamabasa enyu, uye nokuda kwezvinonyangadza zvamaiita; naizvozvo nyika yenyu rava dongo, nechinoshamisa nechinotukwa, isina unogaramo, sezvazvakaita zuva ranhasi.