Jeremiah 44:23 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀamakapisa ɀinonhuwira, ɀamakatadzira Jehova, mukasaterera inzwi raJehova, mukasafamba nomurairo wake, kana neɀireʋo ɀake, kana neɀaakapupura, naiɀoɀo ɀakaipa iɀi ɀakakuwirai, seɀaɀakaita zuʋa ranhasi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuda kwokuti makapisira zvinonhuwira uye makatadzira Jehovha uye hamuna kumuteerera kana kutevera murayiro wake kana zvirevo zvake kana zvaakatema, njodzi iyi yaiswa pamusoro penyu sezvamunoona zvino.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chikonzero ndechokuti makapisa rusenzi uye makatadzira Tenzi pamakarega kuteerera izwi raTenzi nokuchengeta mutemo wake nezvakatemwa nezvakapupurwa, ndizvo zvakonzera kuti muwirwe nezvakaipa sezvazviri nhasi uno.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvamakapisa zvinonhuwira, zvamakatadzira Jehovha, mukasaterera inzwi raJehovha, mukasafamba nomurayiro wake, kana nezvirevo zvake, kana nezvaakapupura, naizvozvo zvakaipa izvi zvakakuwirai, sezvakakuwirai, sezvazvakaita zuva ranhasi.”
Shona 2009?
Zvamakapisa zvinonhuhwira, zvamakatadzira Jehovha, mukasateerera inzwi raJehovha, mukasafamba nomurayiro wake, kana nezvirevo zvake, kana nezvaakapupura, naizvozvo zvakaipa izvi zvakakuwirai, sezvazvakaita zuva ranhasi."
Shona SUB 2002 Bible
Zvamakapisa zvinonhuwira, zvamakatadzira Jehovha, mukasateerera izwi raJehovha, mukasafamba nomurairo wake, kana nezvirevo zvake, kana nezvaakapupura, naizvozvo zvakaipa izvi zvakakuwirai, sezvakakuwirai, sezvazvakaita zuva ranhasi.”