Jeremiah 44:25 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀanzi naJehova wehondo, Mŋari waIsraeri: Imi naʋakadzi ʋenyu makataura nemiromo yenyu, mukaɀiita namaʋoko enyu, muciti: Ɀirokwaɀo, mhiko dzeɗu dzatakapika ticadziita, kuti ticapisira ʋahosi ʋokuɗeŋga ɀinonhuwira, nokuʋaɗururira ɀipiriso ɀinoɗururwa; ɀino cisimbisai henyu mhiko dzenyu, itai henyu mhiko dzenyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri: Imi navakadzi venyu maratidza nezviito zvenyu, zvamakavimbisa pamakati, ‘Zvirokwazvo mhiko dzedu dzatakapika tichadzizadzisa nokupisa zvinonhuwira uye nokudururira zvipiriso zvokunwa kuna Mambokadzi woKudenga.’ “Endererai henyu mberi zvino, itai zvamakavimbisa! Chengetai mhiko dzenyu!
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvanzi naTenzi wehondo nehondo, Mwari weIsiraeri: ‘Imi namadzimai enyu makataura nomuromo yenyu, mukazvizadzisa nezviito zvamaoko enyu,’ muchiti, ‘Tichatozadzisa mhiko dzedu dzatakapika, dzokupisira rusenzi kuhosi yedenga tichimupira mupiro wokuteura.’ Naizvozvo itai zvamakapika muzadzise mhiko dzenyu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, ‘Imi navakadzi venyu makataura nemiromo yenyu, mukazviita namaoko enyu,’ muchiti, ‘Zvirokwazvo, mhiko dzedu dzatakapika tichadziita, kuti tichapisira vahosi vokudenga zvinonhuwira, nokuvadururira zvipiriso zvinodururwa;’ zvino chisimbisai henyu mhiko dzenyu, itai henyu mhiko dzenyu.
Shona 2009?
Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, 'Imi navakadzi venyu makataura nemiromo yenyu, mukazviita namaoko enyu,' muchiti, `Zvirokwazvo, mhiko dzedu dzatakapika tichadziita, kuti tichapisira vahosi vokudenga zvinonhuhwira, nokuvadururira zvipiriso zvinodururwa;' zvino chisimbisai henyu mhiko dzenyu, itai henyu mhiko dzenyu.
Shona SUB 2002 Bible
zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, ‘Imi navakadzi venyu makataura nemiromo yenyu, mukazviita namaoko enyu,’ muchiti, ‘Zvirokwazvo, mhiko dzedu dzatakapika tichadziita, kuti tichapisira vahosi vokudenga zvinonhuwira, nokuvadururira zvipiriso zvinodururwa;’ zvino chisimbisai henyu mhiko dzenyu, itai henyu mhiko dzenyu.