Jeremiah 44:28 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋanopukunyuka pamunondo ʋacabva munyika yeEgipita ʋacidzokera kunyika yaJuda, ʋaʋa ʋashoma; ʋakasara ʋose ʋaJuda, ʋakaŋga ʋaenda kunyika yeEgipita kundogara’ko ʋari ʋatorwa, ʋacaziʋa kuti shoko ricaʋa nesimba nderani, raŋgu kana raʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Avo vachapukunyuka pamunondo vakadzokera kunyika yeJudha vachibva kuIjipiti vachava vashoma kwazvo. Ipapo vose vakasara vavaJudha vakauya kuzogara kuIjipiti vachaziva kuti shoko rinogara nderani, rangu kana ravo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vachapukunyuka pabakatwa vachabuda munyika yeIjipiti vachidzokera kunyika yokwaJudha, vava vashomanana. Vakasara vose vokwaJudha, vakauya kuIjipiti kuzogara; vachaziva kuti ane shoko rechokwadi ndiani, rangu here kana kuti ravo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vanopukunyuka pamunondo vachabva munyika yeIjipiti vachidzokera kunyika yaJudha, vava vashoma; vakasara vose vaJudha, vakanga vaenda kunyika yeIjipiti kundogarako vari vatorwa, vachaziva kuti shoko richava nesimba nderani, rangu kana ravo.
Shona 2009?
Vanopukunyuka pamunondo vachabva munyika yeIjipiti vachidzokera kunyika yaJudha, vava vashoma vakasara vose vaJudha vakanga vaenda kunyika yeIjipiti kundogarako vari vatorwa, vachaziva kuti shoko richava nesimba nderani, rangu kana ravo.
Shona SUB 2002 Bible
Vanopukunyuka pamunondo vachabva munyika yeIjipiti vachidzokera kunyika yaJudha, vava vashoma; vakasara vose vaJudha, vakanga vaenda kunyika yeIjipiti kundogarako vari vatorwa, vachaziva kuti shoko richava nesimba nderani, rangu kana ravo.