Jeremiah 44:30 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀanzi naJehova: Tarirai, ndicaisa Farao Hofra mambo weEgipita, mumaʋoko aʋaʋeŋgi ʋake, nomumaʋoko aʋanotȿaka kumuʋuraya, seɀandakaisa Zedekia mambo waJuda mumaʋoko aNebukadrezari mambo weBabironi, waiʋa muʋeŋgi wake, waitȿaka kumuʋuraya.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvanzi naJehovha: Ndiri kuisa Faro Hofira mambo weIjipiti mumaoko avavengi vake vanotsvaka kumuuraya, sezvandakaita Zedhekia mambo weJudha mumaoko aNebhukadhinezari mambo weBhabhironi, iye muvengi akanga achitsvaka kumuuraya.’ ”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvanzi naTenzi, chionai, ndava kuzoisa Farao Hofura mambo weIjipiti mumaoko mavavengi vake nomumaoko mevanotsvaka kumuuraya, sokuisa kwandakaita Zedhekiya mambo wokwaJudha mumaoko maNebhukadhireza mambo weBhabhironi, muvengi wake aitsvaka kumuuraya.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvanzi naJehovha, ‘Tarirai, ndichaisa Farao Hofira mambo weIjipiti, mumaoko avavengi vake, nomumaoko avanotsvaka kumuuraya, sezvandakaisa Zedhekia mambo waJudha mumaoko aNebhukadhirezari mambo weBhabhironi, vaiva muvengi wake, waitsvaka kumuuraya.’ ”
Shona 2009?
Zvanzi naJehovha, `Tarirai, ndichaisa Farao Hofira mambo weIjipiti, mumaoko avavengi vake, nomumaoko avanotsvaka kumuuraya, sezvandakaisa Zedhekia mambo waJudha mumaoko aNebhukadhirezari mambo weBhabhironi, waiva muvengi wake, waitsvaka kumuuraya.'
Shona SUB 2002 Bible
Zvanzi naJehovha, ‘Tarirai, ndichaisa Farao Hofira mambo weIjipiti, mumaoko avavengi vake, nomumaoko avanotsvaka kumuuraya, sezvandakaisa Zedhekiya mambo waJudha mumaoko aNebhukadhineza mambo weBhabhironi, vaiva muvengi wake, waitsvaka kumuuraya.’ ”