Jeremiah 44:5 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi haʋana‐kuterera, kana kurerekera nzeʋe dzaʋo kuti ʋadzoke paɀakashata ɀaʋo, ʋakarega kupisira ʋamŋe ʋamŋari ɀinonhuwira.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi havana kunzwa kana kuteerera: havana kudzoka kubva pane zvakaipa zvavo kana kurega kupisa zvinonhuwira kuna vamwe vamwari.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi havana kuteerera kana kurerekera nzeve dzavo kuti vatendeuke kuuipi hwavo varege kupisira vamwe vamwari rusenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi havana kuterera, kana kurerekera nzeve dzavo kuti vadzoke pazvakashata zvavo, vakarega kupisira vamwe vamwari zvinonhuwira.
Shona 2009?
Asi havana kuteerera, kana kurerekera nzeve dzavo kuti vadzoke pazvakashata zvavo, vakarega kupisira vamwe vamwari zvinonhuhwira.
Shona SUB 2002 Bible
Asi havana kuteerera, kana kurerekera nzeve dzavo kuti vadzoke pazvakashata zvavo, vakarega kupisira vamwe vamwari zvinonhuwira.