Jeremiah 44:7 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo ɀino ɀanzi naJehova, Mŋari wehondo, Mŋari waIsraeri: Munotadzirireiko mŋeya yenyu necinhu cakaipa cikuru ici, kuti muparadzirwe ʋarume naʋakadzi naʋacece naʋanomna pakati paJuda, kuti murege kusarirwa nomumŋe;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Zvino, zvanzi naJehovha, Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri: Munouyisireiko njodzi yakakura kudai pamusoro penyu nokuparadzira kubva kuJudha varume navakadzi, navana, navacheche nokudaro muchisara musina kana nomumwe?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Saka zvino zvanzi naTenzi wehondo nehondo, Mwari weIsiraeri, ‘Munodirei kuzviparira nhamo yakakura ikadai, kuzvitsakatisa murume nomukadzi nomucheche nomwana pakati pevokwaJudha zvokusara pasisina anosara?’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Naizvozvo zvino zvanzi naJehovha, Mwari wehondo, Mwari waIsiraeri, ‘Munotadzirireiko mweya yenyu nechinhu chakaipa chikuru ichi, kuti muparadzirwe varume navakadzi navacheche navanomwa pakati paJudha, kuti murege kusarirwa nomumwe;
Shona 2009?
"Naizvozvo zvino zvanzi naJehovha, Mwari wehondo, Mwari waIsiraeri, `Munotadzirireiko mweya yenyu nechinhu chakaipa chikuru ichi, kuti muparadzirwe varume navakadzi navacheche navanomwa pakati paJudha, kuti murege kusarirwa nomumwe;
Shona SUB 2002 Bible
“Naizvozvo zvino zvanzi naJehovha, Mwari wehondo, Mwari waIsiraeri, ‘Munotadzirireiko mweya yenyu nechinhu chakaipa chikuru ichi, kuti muparadzirwe varume navakadzi navacheche navanomwa pakati paJudha, kuti murege kusarirwa nomumwe;