Jeremiah 44:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ɀamunonditsamŋisa namaɓasa amaʋoko enyu, mucipisira ʋamŋe ʋamŋari ɀinonhuwira munyika yeEgipita kwamakaenda kundogara muri ʋatorwa; mugoparadzwa, muʋe cinotukwa necinoshoʋorwa pakati pamarudzi ose enyika?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Munonditsamwisireiko nezvamunoita namaoko enyu, muchipisira zvinonhuwira kuna vamwe vamwari vomuIjipiti kwamakaenda kundogara? Muchazviparadza pachenyu mukazviita chinhu chinotukwa nechinozvidzwa pakati pendudzi dzose dzepanyika.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Munodirei kundishatirisa netwamunobata namaoko enyu imi, kutopisira zvenyu vamwe vamwari rusenzi munyika yeIjipiti mamakauya kuzogara kuti ndikutsakatisei muchizova vanhu vorushambwa nechiseko mukati memarudzi ose pasi pano?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
zvamunonditsamwisa namabasa amaoko enyu, muchipisira vamwe vamwari zvinonhuwira munyika yeIjipiti kwamakaenda kundogara muri vatorwa; mugoparadzwa, muve chinotukwa nechinoshoorwa pakati pamarudzi ose enyika?
Shona 2009?
zvamunonditsamwisa namabasa amaoko enyu, muchipisira vamwe vamwari zvinonhuhwira munyika yeIjipiti kwamakaenda kundogara muri vatorwa; mugoparadzwa, muve chinotukwa nechinoshoorwa pakati pamarudzi ose enyika?
Shona SUB 2002 Bible
zvamunonditsamwisa namabasa amaoko enyu, muchipisira vamwe vamwari zvinonhuwira munyika yeIjipiti kwamakaenda kundogara muri vatorwa; mugoparadzwa, muve chinotukwa nechinoshoorwa pakati pamarudzi ose enyika?