Jeremiah 45:1 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Shoko, rakataurwa nomuprofita Jeremia kunaBaruki mŋanakomana waNeria, paŋguʋa yaakanyora mashoko awa mubuku, ɀicibva mumuromo waJeremia, negore recinna raJehoiakimi mŋanakomana waJosia, mambo waJuda, riciti:
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Izvi ndizvo zvakataurwa nomuprofita Jeremia kuna Bharuki mwanakomana waNeria, mugore rechina raJehoyakimi mwanakomana waJosia mambo weJudha, shure kwokunyora kwaBharuki rugwaro rwamashoko aJeremia aakanga achimudaidzira, achiti,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Shoko romuporofita Jeremiya raakataurira Bharuku mwanakomana waNeriya paakanyora mashoko aya mubhuku achiaudzwa naJeremiya mugore rechina rokutonga kwaJehoyakimu mwanakomana waJosiya mambo wokwaJudha,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Shoko, rakataurwa nomuporofita Jeremiya kuna Bharuki mwanakomana waNeria, panguva yaakanyora mashoko awa mubhuku, zvichibva mumuromo waJeremiya, negore rechina raJehoiakimu mwanakomana waJosia, mambo waJudha, richiti,
Shona 2009?
Shoko, rakataurwa nomuporofita Jeremiya kuna Bharuki mwanakomana waNeria, panguva yaakanyora mashoko awa mubhuku, zvichibva mumuromo waJeremiya, negore rechina raJehoiakimu mwanakomana waJosiya, mambo waJudha, richiti,
Shona SUB 2002 Bible
Shoko, rakataurwa nomuporofita Jeremiya kuna Bharuki mwanakomana waNeria, panguva yaakanyora mashoko aya mubhuku, zvichibva mumuromo waJeremiya, negore rechina raJehoiakimu mwanakomana waJosiya, mambo waJudha, richiti,