Jeremiah 46:12 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Marudzi akanzwa ɀokunyadziswa kwako, nyika izere nokucema kwako; nokuti mhare dzakaɓonderana nemhare, ʋose ʋari ʋaʋiri ʋakawira pasi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndudzi dzichanzwa nezvokunyadziswa kwako; kuchema kwako kuchazadza nyika. Mhare ichabondera pane imwe mhare; vachawira pasi pamwe chete.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndudzi dzavanhu dzakanzwa guhu rokunyadziswa kwako; pasi pano pazara mhere yako nokuti varwi vehondo vakaita mawiramombe vachibva vati pamwechete pasi rikiti.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Marudzi akanzwa zvokunyadziswa kwako, nyika izere nokuchema kwako; nokuti mhare dzakabonderana nemhare, vose vaviri vakawira pasi.”
Shona 2009?
Marudzi akanzwa zvokunyadziswa kwako, nyika izere nokuchema kwako; nokuti mhare dzakabonderana nemhare, vose vaviri vakawira pasi."
Shona SUB 2002 Bible
Marudzi akanzwa zvokunyadziswa kwako, nyika izere nokuchema kwako; nokuti mhare dzakabonderana nemhare, vose vaviri vakawira pasi.”