Jeremiah 46:14 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Paridzirai paEgipita, ziʋisai paMigdori, ziʋisai paNofi napaTapanesi, muti: Simukai muɀigadzire, nokuti munondo wakadya ɀiri kumatiʋi ako ose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Zivisai izvi muIjipiti, mugozviparidza paMigidhori; zviparidzeiwo paMemufisi neTapanesi muchiti, ‘Torai nzvimbo yenyu uye muzvigadzirire, nokuti munondo unodya vakakupoteredzai.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Paridzai muIjipiti muzivise vanhu muguta reMigidhori muudze vanhu muMemufisi nomuTahipanhesi muti, ‘Mirai makagadzirira, sungai dzisimbe nokuti bakatwa richaparadza munharaunda menyu kutenderera.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Paridzirai paIjipiti, zivisai paMigidhori, zivisai paNofi napaTapanesi, muti, ‘Simukai muzvigadzire, nokuti munondo wakadya zviri kumativi ako ose.
Shona 2009?
"Paridzirai paIjipiti, zivisai paMigidhori, zivisai paNofi napaTapanesi, muti, `Simukai muzvigadzire, nokuti munondo wakadya zviri kumativi ako ose.
Shona SUB 2002 Bible
“Paridzirai paIjipiti, zivisai paMigidhori, zivisai paMemufisi napaTapanihesi, muti, ‘Simukai muzvigadzire, nokuti munondo wakadya zviri kumativi ako ose.