Jeremiah 46:16 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Wakagumbusa ʋazhinji, ɀirokwaɀo mumŋe wakawira pamsoro pomumŋe; ʋakati: Simukai, tiende ɀe kuʋanhu ʋeɗu, nokunyika kwatakaɓerekerwa, titize munondo unomanikidza.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vacharamba vachingogumburwa; vachawirana pamusoro pomumwe nomumwe wavo. Vachati, ‘Simukai, ngatidzokerei kuvanhu vokwedu nokunyika yedu, kure nomunondo womumanikidzi wedu.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Aita kuti vazhinji venyu vatatarike vachiwira pasi vakataurirana vachiti, ‘Ngatisimukei tidzokere kune vokwedu kunyika yedu kwatakaberekerwa. Pamusana pebakatwa romudzvinyiriri.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Wakagumbusa vazhinji, zvirokwazvo mumwe wakawira pamusoro pomumwe; vakati, ‘Simukai, tiendezve kuvanhu vedu, nokunyika kwatakaberekerwa, titize munondo unomanikidza.’
Shona 2009?
Wakagumbusa vazhinji, zvirokwazvo mumwe wakawira pamusoro pomumwe; vakati, `Simukai, tiendezve kuvanhu vedu, nokunyika kwatakaberekerwa, titize munondo unomanikidza.'
Shona SUB 2002 Bible
Wakagumbusa vazhinji, zvirokwazvo mumwe wakawira pamusoro pomumwe; vakati, ‘Simukai, tiendezve kuvanhu vedu, nokunyika kwatakaberekerwa, titize munondo unomanikidza.’