Jeremiah 46:18 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Noʋupenyu bgaŋgu — ndiɀo ɀinotaura Mambo, unezita rinonzi Jehova wehondo, — ɀirokwaɀo ucaʋuya akaita seTabori pakati pamakomo, ʋuye seKarmeri paguŋgwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Zvirokwazvo noupenyu hwangu,” ndizvo zvinotaura Mambo, ane zita rinonzi Jehovha Wamasimba Ose, “pano mumwe achauya akaita seTabhori pakati pamakomo, seKarimeri pagungwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Hezvino ndakadai, ndizvo zviri kureva Mambo ane zita rinonzi Tenzi wehondo nehondo kune mumwe achauya akati dzu-u segomo reTabhori mukati memakomo uye segomo reKameri pedyo negungwa?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Nohupenyu hwangu,” ndizvo zvinotaura Mambo, une zita rinonzi Jehovha wehondo, “Zvirokwazvo uchauya akaita seTabhori pakati pamakomo, uye seKarimeri pagungwa.
Shona 2009?
"Nohupenyu hwangu," ndizvo zvinotaura mambo une zita rinonzi Jehovha wehondo, "Zvirokwazvo uchauya akaita seTabhori pakati pamakomo, uye seKarimeri pagungwa.
Shona SUB 2002 Bible
“Noupenyu hwangu,” ndizvo zvinotaura Mambo, une zita rinonzi Jehovha wehondo, “Zvirokwazvo uchauya akaita seTabhori pakati pamakomo, uye seKameri pagungwa.